Nhasi handisi kuda kunyora chirungu, ndirikuda kutaura nyaya yangu nechekwangu.
Ndirikuda kutaura kuti sei senyika uye sevanhu vatema in general tisingabudiriri. Mukatarisa Africa ndo makazara hondo, zvirerwe nekusagadzikana kunyanya nyanya parudzi rwedu rweveganda dema. Sei zvichidaro makambozvivhunzawo here?
Dambudziko ratinaro nderekuti tinezimweya rehuroyi pakati pedu. Handisi kutuka vanhu asi ichi ndochokwadi. Hatina rudo pakati pedu hatina kubatana uye hatisumudzirane.
Umwe wedu akada kuti abudirire vazhinji moyo yedu inofara kana awira pasi. Mukatarisa chero nguva dzeslavery chaidzo I was reading on the slave trade hapana kana varungu vaipinda muinterior kuti vabate vanhu isu tisu pachedu tainobata vamwe vedu. Kuti islavery ipere vakatoita ban kunana England asi muno supply yaiva tiii.
Mukataarisa mapolitical disputes arimuno hatigoni kugara pasi kuti vanhu vataurirane asi tarisai muone varungu vakauraya mudzihondo vazhinji nekutitapa for hundreds of years panguva ye colonialism takaregerera asi kuti tiregererane tigadzirise nyika pachezvedu hatizvigoni. Vanhu vanotoona zvirinani kutanga dzihondo, kupisirana dzimba nekutemana nematemo, for what?
Kuti utange bhizimusi muno makwikwi. Asi pakauya umwe wekunze anoita kupihwa matax holiday yekuramwirwa. Vanobva kunze vanobatwa semazai asi varidzi venyika tichitwa suku nasai. hazvisi muno asi mu Africa yose. Kuti tisimudzirane pachedu hatizvigoni. Corruption tinoitirana pachedu mari toendesa kunze kuti inovaka nyika dzevamwe. Ukati utange chako ushingi hwese nechido zvinopedzwa nemanegative comments anbva kune vamwe vedu.
Mukatarisa pachezvedu tinodzvanyirirana, vakuru mumakambani vachidya rifa nemakutukutu emahundreds of thousands asi vashandi vepasi vanenge vachidya nhoko dzezvironda. Vamwe vedu ndivo vanotora vana vevanhu kumisha kuzovashandisa sevasikana vebasa senhapwa chaidzo for peanuts.
Vanhu tinodzadzvanyirirana pachedu. Tichijutana,kubirana, nekusekana pane kuti tisimudzirane nekubatsirana. Vanenge vabudirirawo vacho vamwe ndovanovhairira vamwe pane kuti vabatsirewo vamwe. Vanobatsira vamwe vacho vanotoda kunamatwa chaiko. Panekamwe futikamweya kehumbimbindoga katinako, vamwe vanorasa mabacon nemazai mumabin vamwe vachiseva nemunyu chaiwo. Mufungo uripo newekuti chero zvangu zvichifaya. Chero mwana wemuraini akasaenda muchikoro ndezvake. Asi tinokanganwa kuti koakaita rombe zvichaita a cost musociety yedu.
Mumweya wehuroyi uhwu mune kunyengedzana futi kuriko. Bootlicking yakawandisa murudzi rwedu. Vatungamiriri kwese mungave muchechi kana mumakambani kana munezvematongerwe enyika vanhu vanokanganisa plus ma ideas emutungamiriri haasi pese paanenge achishanda. Zvino pakati pedu kunyanya vanenge varipedyo nevatungamiriri vanoita kupesvedzera nyangwe kwakanangwa kuri kumawere. Unozwa voti Wabaya! Waseva! Leader muri shuga! Mukuru Muri Chitubu Chewisdom! Huroyi ihwohwo, Ndozvirikuuraya mainstitution edu izvozvo. iko kuhutungamiri uku nyaya yekungoda kunzi ndini ndinoziva zvese uye kusapa vamwe mukana.
Zvekunedzimwenyika ndozvatinoda asi zvedu tinodzikisira pasi.Huroyi uhwu ndohwatinetsa sevana veZimbabwe neAfrica ndo zvinoita kuti tive chiseko all over.
Tikabvisa mweya wehuroyi uhwu husingadi kuti tisimudzirane zvese zvatinodyara hazvibudirire.
Hama tinofanira kureurura. Tosvika riini serudzi rwemaAfricans
tichingova vanhu vanova chiseko nekumakisa pasirose so. Mwari vakatipa zvose zvakatikwanira nepfungwa sevamwe asi tinofanira kureurura Rudo, Kubatana nekubatsirana zvive matiri.
Education system yedu inofanira kuti iitwe overhaul to include mavalues eubuntu. We need kuti vana vedu vadzidziswe kushanda pamwechete. Maethics neLeadership chaiyo necharacter development zvinofanira kudzidziswa. We have to solve the crisis of values kubva kuzasi kuECD chaiko. Kumachechi hero basa.
Mwari anezvikuru zvaakatirongera asi tinofanira kuzvinatsa pakukanganisa kwedu.
Baba MK
(Originally Posted on Facebook Here)











